Soul Jah Love – Pamamonya Ipapo (Lyrics)
Intro
Tynash naSheltan, So so so so
Tauya nezvimapattern, Chemically
To-tinosangana mufinal maFidza, Apedza tinovaridza
Tovasiya BP yakwidza, isu tine mafanz….Chibaaa ndikatii
Verse 1
Kunyange tichishorwa paye paye patinotaurwa
Nekuti pamwe pacho tinodzvurwa muduri mufunge tichitsarwa
Varikuzviti vakawinner asi mumwe musi tichavatema nezvidhinha
Kunyangwe zvikanzi musi weChina unoona pattern ndichivabinha, bvunza iye Kinnah
Hatina nguva yekutura mafemo kumangoma tinotobata matemo
Ehee tovapawo mutemo saka tichiimba tichishandisa tsumo
Chorus
Tinovadyira bhonzo nekuwonda kudai
Tinonomira pamamonya ipapo
Chidya mafuta zviya zvisingakore, takanomira pamamonya ipapo
Mahorse zvimaBoss tinonomira pamamonya ipapo
Chibaba-chigunduru mwana waSthembeni pamamonya ipapo
Verse 2
Chirehwa rehwa ndiana Mrehwa
iSmairi(smile) wamupa mari yehwahwa
Ndopaunoona kuti vanobhowa kuswera paCrawa futi every hour
Hanzi chihuya baa vaona vanhu kudhoma dhoma
Aihwa zvipiko vanojuma juma, muchanyara patinopfuma pfuma
Kunge mombe dzichingokuma kuma huma-huma…hona
Vamwe vachiti ichi chirema zvakadaro ndichingorema
Kuti ndafa apa ndichifema ndipeyi yangu mari yechema
Repeat chorus
Verse 3
NdiSauro (Saul) mwana waSthembeni haasi mwana waCharmaine
Anoda Codeine haangadhakwe neChampagne
Saka musaise pain nekuti iyezvino futi arikudawo gain
Atoripo pakaPain
Hobho zvibhakera kunge Mayweather, Rexin yakasiyana neLeather
Ende Sauro handina basa neWeather nekuti zvese zvamunoda i will take it further
Television, high definition
Repeat chorus ×2
Verse 4
Kunze kungapisa patinongopisa, Hapana anomisa zvichivashamisa
Voda kundiwisa ndichavadzidzisa, imimi musade kuzvisimbisa
Nekuti kadya mafuta kasingakore, mangoma ndoimba ini handinyore
Asi haasi nyore nyore, Ita uyedze iwe unganyare
Television, high definition
Repeat chorus ×2
Huhahahaha
Facebook: The ZimTainment
Twitter: @ZimTainment
Instagram: @zimtainment
Leave a Reply